Pamsoro pedu
Muono
TWR360 inopedza matambudziko emitauro uye nekuitira vanotutunura kuti vagokwanisa kututunura, kuti vaverenge zvinyorwa zveChiKristu zvakawanda kuti vagokura mukufamba naKristu zuva rimwe nerimwe
Basa redu
TWR360 Yakanangana nevaya vanoshandisa zvemumhepo(Web ) nefoni zvichiita kuti TWR360 iwedzere kubata basa kwayo ichibatsira Chechi kuzadzisa kutuma kwaKristu kukuru
- Kuti ani zvake kwese kwese chero nguva ipi zvayo akwanise kuwana mukana kuburikidza necomputer kana smartphone kusvika pakuwana mukana wokunzwa zvirongwa zveChikristu zvakapepetwa zvakanaka (Digital) nomutauro wepamoyo pake.
- Kuunza kutaurirana pakati pevatauri vechikristu (Christian communicators) uko kwakabatanidzwa, kunoshandisa nzira dzakasiyanasiyana, dzokuendesa mashoko nokuongorora zvinoshandiswa paine kubatana navamwe muhushumiri hwavanahwo, zvisinei kuti vane hushumiri hwakakura sei kana kuti hudiki zvakadii
- Tichishumira tiri pakati nepakati apo pane TWR360. Panzvimbo iyi TWR360, pane zvakawanda zviripo uye pane zvirongwa zvakasiyanasiyana. Zvirongwa izvi unogona kuzviwana ukaronga ne avo vane nhepfenyuro, uye unogona kuwana zvirongwa izvi panguva yako wakasununguka,
Pamsoro pe TWR
Tichitaura zvakanaka mumitauro mazana maviri ne makumi matatu (230).TWR inoraramira kusvitsa Jesu Kristu kunyika Dzose. Pasi Rino Rese tinosvikira Mamiriyoni evanhu kunyika dzinokwana zana nemakumi matanhatu (160) nechokwadi cheshoko raMwari. Kwadarika makore anoda kusvika makumi matanhatu(60 ), Mwari vachishandisa TWR kubatsira vanhu kubva mukukahadzika kusvika pakuita sarudzo yokuve vadziidzi.
Pamwechete nevamwe vatakabatana navo Pasi Rose, machechi nemabato ehushumiri. TWR inobatsira mune zvinoti, kugadzira zvirongwa zvinobatsira vanhu pane zvavanosangana nazvo muupenyu, zvirongwa zvehudzidzi uye zvinobatsira vashandi vakazvipira kupa tariro kune mumwe nemumwe kwese kwese kwavaenda. Tinoita izvi dzimwenguva tichishandisa masaisai epamhepo AM/MW,Short wave kana FM radio. uye nokuisa zvimwe zvirongwa pa Internet kuti vanoshandisa internet vagozviwanawo. Kana kushanya tichikurukura navateerei , Mukuita izvi TWR inosiya chibereko chepaMweya chinogara.