Pamsoro/ maringe
Chirongwa, "Shoko raNhasi", chinotarisa shoko raMwari nemashandisirwo aringaitwe muhupenyu hwedu nhasi. Chirongwa chimwe nechimwe chinoongorora shoko rimwe chete kuti mashoko anobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Muteereri haangodzidziswi nezveEvhangeri chete asi anodzidziswawo zviri muBhaibheri, kuburikidza nemhando yekudzidza nayo Bhaibheri iyo, "inoongorora shoko rimwe chete zvakadzama." Mhando yekudzidza nayo Bhaibheri iyi inobva yatarisa ndima dzakasiyana siyana dzinenge dziine shoko iri. Muteereri paanoramba achiteerera kuchirongwa Shoko raNhasi kwemasvondo akawanda, haangonzwi mashoko akanaka oruponeso muna Jesu bedzi, asiwo anodzidzawo Shoko raMwari kuburikidza nekuongorora 'shoko' rinokosha pachirongwa chimwe nechimwe.